Hosea 10

1Israeri akanga ari muzambiringa unotanda;
akazviberekera zvibereko.
Zvibereko zvake pazvakawanda,
akavakawo aritari dzakawanda;
nyika yake payakabudirira,
akashongedzawo matombo ake anoera.
2Mwoyo wavo unonyengera,
uye zvino vanofanira kutakura mhosva yavo.
Jehovha achaputsa aritari dzavo
uye achaparadza matombo avo akaereswa.
3Ipapo vachati, “Hatina mambo
nokuti hatina kukudza Jehovha.
Asi kunyange taiva namambo,
angadai akatiitireiko?”
4Vanovimbisa zvakawanda,
vanoita mhiko dzenhema
uye vanoita zvibvumirano;
naizvozvo mhosva dzinoendeswa kudare
dzinomera sebise rinouraya mumunda wakarimwa.
5Vanhu vanogara muSamaria vanotyira
chifananidzo chemhuru chaBheti Avheni.
Vanhu vacho vachachichema,
ndizvo zvichaitawo vaprista vanonamata chifananidzo chacho;
ivavo vakafarira kukudzwa kwacho,
nokuti vachachitorerwa chigoendeswa kuutapwa.
6Chichatakurwa chigoendeswa kuAsiria
somutero kuna mambo mukuru.
Efuremu achanyadziswa;
Israeri achanyarawo nokuda kwezvifananidzo zvakavezwa.
7Samaria namambo wayo ichaeredzwa
sechimuti pamusoro pemvura.
8Nzvimbo dzakakwirira dzouipi dzichaparadzwa,
ichi ndicho chivi chaIsraeri.
Minzwa norukato zvichamera
zvigofukidza aritari dzavo.
Ipapo vachati kumakomo, “Tifukidzei!”
nokuzvikomo, “Wirai pamusoro pedu!”

9“Kubva pamazuva eGibhea, wakatadza, iwe Israeri,
uye ukarambirapo.
Hondo haina kukunda
vaiti vezvakaipa paGibhea here?
10Nenguva yandinoda ndichavaranga;
ndudzi dzichaungana kuti dzivarwise
dzivaise muusungwa nokuda kwezvivi zvavo zviviri.
11Efuremu itsiru rakapingudzwa
rinofarira kupura;
saka ndichaisa joko
pamutsipa waro wakanaka.
Ndichatinha Efuremu,
Judha anofanira kurima,
uye Jakobho anofanira kuputsa mavhinga acho.
12Zvidyarirei kururama,
kohwai chibereko chorudo rusingaperi,
mugorima gombo renyu;
nokuti inguva yokutsvaka Jehovha,
kusvikira auya
kuzonayisa utsvene pamusoro penyu.
13Asi makarima uipi,
mukacheka zvakaipa,
makadya zvibereko zvounyengeri,
nokuti makavimba nesimba renyu
uye navarwi venyu vakawanda,
14kuomba kwehondo kuchamukira vanhu venyu,
zvokuti masvingo enyu ose achaparadzwa,
sokuparadzwa kwakaitwa Bheti Aribheri neSharimani pazuva rokurwa,
vanamai pavakapanhirwa pasi pamwe chete navana vavo.
15Ndizvo zvichaitika kwauri, iwe Bheteri,
nokuti uipi hwako hukuru.
Kana zuva iroro roswedera,
mambo weIsraeri achaparadzwa zvachose.
Copyright information for SnaBDSC